1 John 5:16 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Kana munhu aciʋona hama yake iciita cinhu cisati ciri corufu, ucakumbira, Mŋari agomupa ʋupenyu bgunopiwa ʋasiŋgaiti ciʋi corufu. Ciri’po ciʋi corufu; handiti akumbire pamsoro pecici.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Kana munhu akaona hama yake ichiita chivi chisingaurayisi, anofanira kunyengetera uye Mwari achamupa upenyu. Ndinoreva vaya vane chivi chisingaurayisi. Pane chivi chinourayisa. Handirevi kuti anyengetere pamusoro pacho.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Kana munhu akaona mumwe wake achiita chitadzo chisingaurayi anogona kumunamatira. Mwari anobva apa mutadzi iyeyo upenyu kwete anenge apara chitadzo chinouraya. Kune chitadzo chinouraya. Handisi kuti munhu anamatire mumwe panaizvozvo.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Kana munhu achiona hama yake ichiita chinhu chisati chiri chorufu, achakumbira, Mwari agomupa upenyu hunopiwa vasingaiti chivi chorufu. Chiripo chivi chorufu; handiti akumbire pamusoro pechichi.
Shona 2009?
Kana munhu achivona hama yake ichiita chinhu chisati chiri chorufu, uchakumbira, Mwari agomupa vupenyu bwunopiwa vasingaiti chivi chorufu. Chiripo chivi chorufu; handiti akumbire pamusoro pechichi.
Shona SUB 2002 Bible
Kana munhu achiona hama yake ichiita chinhu chisati chiri chorufu, achakumbira, Mwari agomupa upenyu hunopiwa vasingaiti chivi chorufu. Chiripo chivi chorufu; handiti akumbire pamusoro pechichi.