1 John 5:4 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Nokuti cinhu cipi necipi, cinoɓerekwa naMŋari cinokunda nyika; kukunda kwakakunda nyika, ndiko kutenda kweɗu.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
nokuti vose vakaberekwa naMwari vanokunda nyika. Uku ndiko kukunda kwakakunda nyika, iko kutenda kwedu.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
nokuti mwana wose waMwari anokunda nyika. Chinhu chinokunda pasi ndechichi, chitendero chedu.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Nokuti chinhu chipi nechipi, chinoberekwa naMwari chinokunda nyika; kukunda kwakakunda nyika, ndiko kutenda kwedu.
Shona 2009?
Nokuti chinhu chipi nechipi, chinoberekwa naMwari chinokunda nyika; uku ndiko kukunda kunokunda nyika, ndiko kutenda kwedu.
Shona SUB 2002 Bible
Nokuti chinhu chipi nechipi, chinoberekwa naMwari chinokunda nyika; kukunda kwakakunda nyika, ndiko kutenda kwedu.