1 John 5:9 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Kana ticigamucira kupupura kwaʋanhu, kupupura kwaMŋari kukuru; nokuti kupupura kwaMŋari ndiko, kuti wakapupura pamsoro poMŋanakomana wake.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Tinogamuchira uchapupu hwavanhu, asi uchapupu hwaMwari hukuru nokuti ndihwo uchapupu hwaMwari, hwaakapa pamusoro poMwanakomana wake.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Kana tichigamuchira uchapupu hwavanhu, ko kutozoti hwaMwari, hukuru kupinda hwavanhu. Ihwohwu ndihwo huchapupu hwaMwari hwaakaita kuMwanakomana wake.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Kana tichigamuchira kupupura kwavanhu, kupupura kwaMwari kukuru; nokuti kukupupura kwaMwari ndiko, kuti akapupura pamusoro poMwanakomana wake.
Shona 2009?
Kana tichigamuchira kupupura kwavanhu, kupupura kwaMwari kukuru; nokuti kupupura kwaMwari ndiko, kuti wakapupura pamusoro poMwanakomana wake.
Shona SUB 2002 Bible
Kana tichigamuchira kupupura kwavanhu, kupupura kwaMwari kukuru; nokuti kupupura kwaMwari ndiko, kuti akapupura pamusoro poMwanakomana wake.