1 Kings 1:13 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Enda upinde kunamambo Davidi, uti kwaari: Ishe waŋgu mambo, hamunakupikira murandakadzi wenyu here, mukati: Ɀirokwaɀo, Soromoni mŋanakomana wako, ndiye ucanditeʋera paʋushe, iye ucagara pacigaro caŋgu coʋushe? Ɀino Adonia unoɓatireiko ʋushe?
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Chitoenda izvozvi kuna mambo Dhavhidhi unoti kwaari, ‘Ishe wangu mambo, hamuna kupikira ini murandakadzi wenyu here muchiti, “Zvirokwazvo Soromoni mwanakomana wako ndiye achanditevera paumambo, uye ndiye achagara pachigaro changu choushe?” Zvino Adhoniya ava mambo sei?’
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Ibvai maenda kuna mambo Dhavhidhi mumuti, mambo changamire, hamuna here kunditsidzira ini muranda wenyu kuti Soromoni mwana wako ndiye achatonga mushure mangu, achizogara pachigaro changu choumambo? Ko zvauya sei kuti Adhoniya ava kutonga?
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Enda upinde kuna mambo Dhavhidhi, uti kwaari, ‘Ishe wangu mambo, hamuna kupikira murandakadzi wenyu here,’ mukati, ‘Zvirokwazvo, Soromoni mwanakomana wako, ndiye uchanditevera paushe, iye uchagara pachigaro chenyu choushe? Zvino Adhonia unobatireiko ushe?’
Shona 2009?
Enda upinde kuna mambo Dhavhidhi, uti kwaari, "Ishe wangu mambo, hamuna kupikira murandakadzi wenyu here,' mukati, `Zvirokwazvo, Soromoni mwanakomana wako, ndiye uchanditevera paushe, iye uchagara pachigaro chenyu choushe? Zvino Adhonia unobatireiko ushe?"
Shona SUB 2002 Bible
Enda upinde kuna mambo Dhavhidhi, uti kwaari, ‘Ishe wangu mambo, hamuna kupikira murandakadzi wenyu here,’ mukati, ‘Zvirokwazvo, Soromoni mwanakomana wako, ndiye uchanditevera paushe, iye uchagara pachigaro chenyu choushe? Zvino Adhonia unobatireiko ushe?’