1 Kings 1:2 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Naiɀoɀo ʋaranda ʋake ʋakati kwaari: Ishe waŋgu mambo ŋgaatȿakirwe mhandara, iye amire pamberi pamambo, aʋaceŋgete, aʋate pacifuʋa cenyu, kuti ishe waŋgu mambo ʋadziyirwe.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Naizvozvo, varanda vake vakati kwaari, “Ngatitsvakirei mambo wedu mhandara kuti imushandire nokumuchengeta. Acharara padivi pake kuti ishe mambo wedu adziyirwe.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Nokudaro makurukota ake akati kwaari, “Mambo changamire, dai patsvakwa musikana, mhandara, ive yokushandira mambo nokumuchengeta, avate pedyo nechifuva chenyu kuti munzwe kudziya, mambo changamire.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Naizvozvo varanda vake vakati kwaari, “Ishe wangu mambo ngaatsvakirwe mhandara, iye amire pamberi pamambo, avachengete, avate pachipfuva chenyu, kuti ishe wangu mambo vadziyirwe.”
Shona 2009?
Naizvozvo varanda vake va­kati kwaari, "Ishe wangu mambo ngaa­tsvakirwe mhandara, iye amire pamberi pamambo, avachengete, avate pachipfuva chenyu, kuti ishe wangu mambo vadziyi­rwe."
Shona SUB 2002 Bible
Naizvozvo varanda vake vakati kwaari, “Ishe wangu mambo ngaatsvakirwe mhandara, iye amire pamberi pamambo, avachengete, avate pachipfuva chenyu, kuti ishe wangu mambo vadziyirwe.”