1 Kings 1:25 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Nokuti waɓuruka nhasi, akaɓaya nzombe nemhuru dzakakora, namakwai mazhinji, akaɗana ʋanakomana ʋose ʋamambo, naʋakuru ʋehondo, naAbiatari muprista; tarirai, ʋodya nokunwa pamberi pake, ʋaciti: Mambo Adonia ŋgaararame!
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Nhasi aburuka akandobayira mombe dzakawanda, mhuru dzakakodzwa, namakwai. Akoka vanakomana vose vamambo, vatungamiri vamauto naAbhiatari muprista. Izvozvi vari kudya nokunwa naye vachiti, ‘Mambo Adhoniya ngaararame makore akawanda!’
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Ndiri kudaro nokuti iye nhasi uno adzika uko akapira zvibayiro zvemombe nezvigondora zvakakodzwa nehwai zvizhinji kwazvo. Akoka vanakomana venyu mambo naJoabhu mukuru wehondo nomupristi Abhiyatari, kurizvino vari kutodya vachinwa naye vachitomuti, ‘Zvigare zvakadaro, mambo Adhoniya!’
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Nokuti waburuka nhasi, akabaya nzombe nemhuru dzakakora, namakwai mazhinji, akadana vanakomana vose vamambo, navakuru vehondo, naAbhiatari mupristi; tarirai, vodya nokunwa pamberi pake, vachiti, ‘Mambo Adhonia ngaararame!’
Shona 2009?
Nokuti waburuka nhasi, akabaya nzombe nemhuru dzakakora, namakwai mazhinji, akadana vanako­mana vose vamambo, navakuru vehondo, naAbhiatari muprista; tarirai, vodya noku­mwa pamberi pake, vachiti, `Mambo Adhonia ngaararame
Shona SUB 2002 Bible
Nokuti waburuka nhasi, akabaya nzombe nemhuru dzakakora, namakwai mazhinji, akadana vanakomana vose vamambo, navakuru vehondo, naAbhiatari mupristi; tarirai, vodya nokunwa pamberi pake, vachiti, ‘Mambo Adhonia ngaararame!’