1 Kings 1:26 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Asi ini muranda wenyu, naZadoki muprista, naBenaya mŋanakomana waJehoyada, nomuranda wenyu Soromoni, haana‐kutiɗana.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Asi haana kukoka ini muranda wenyu naZadhoki muprista, naBhenaya mwanakomana waJehoyadha, nomuranda wenyu Soromoni.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Asi ini muranda wenyu nomupristi Zadhoki naBhenaya mwana wavaJehoyadha nomuranda wenyu Soromoni haana kutikoka.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Asi ini muranda wenyu, naZadhoki mupristi, naBhenaya mwanakomana waJehoyadha, nomuranda wenyu Soromoni, haana kutidana.
Shona 2009?
Asi ini muranda wenyu, naZadhoki muprista, naBhenaya mwanakomana waJehoyadha, nomuranda wenyu Soromoni, haana kutidana.
Shona SUB 2002 Bible
Asi ini muranda wenyu, naZadhoki mupristi, naBhenaya mwanakomana waJehoyadha, nomuranda wenyu Soromoni, haana kutidana.