1 Kings 1:39 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino Zadoki muprista akatora gonaŋombe ramafuta paTente akazodza Soromoni. Ʋakaridza hwamanda, ʋanhu ʋose ʋakati: Mambo Soromoni ŋgaararame!
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Zadhoki muprista akatora gonamombe ramafuta mutende akazodza Soromoni. Ipapo vakaridza hwamanda vanhu vose vakadanidzira vachiti, “Mambo Soromoni ngaararame makore akawanda!”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Mupristi Zadhoki akatora chinu chamafuta mutendhe akazodza Soromoni. Vakaridza hwamanda, vanhu vose vakadaidzira vachiti, “Zvirambe zvakadaro mambo Soromoni!”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino Zadhoki mupristi akatora gonamombe ramafuta paTende akazodza Soromoni. Vakaridza hwamanda, vanhu vose vakati, “Mambo Soromoni ngaararame!”
Shona 2009?
Zvino Zadhoki muprista akatora gonamombe ramafuta paTende akazodza Soromoni. Vakaridza hwamanda, vanhu vose vakati, "Mambo Soromoni ngaararame!"
Shona SUB 2002 Bible
Zvino Zadhoki mupristi akatora gonamombe ramafuta paTende akazodza Soromoni. Vakaridza hwamanda, vanhu vose vakati, “Mambo Soromoni ngaararame!”