1 Kings 1:42 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Wakati acataura, Jonatani mŋanakomana waAbiatari muprista, akaȿika; Adonia akati kwaari: Pinda, nokuti uri munhu wakatendeka, unoʋuya namashoko akanaka.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Achiri kutaura kudaro, Jonatani, mwanakomana waAbhiatari muprista, akasvika. Adhoniya akati, “Pinda! Murume akatendeka sewe anofanira kunge achiuya namashoko akanaka.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Achiri kutaura kudaro Jonatani mwana womupristi Abhiyatari ndiye vhu ipapo. Adhoniya akati, “Pinda zvako nokuti uri munhu anovimbika unofanira chete kunge uchitotiigira shoko rakanaka.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Wakati achitaura, Jonatani mwanakomana waAbhiatari mupristi, akasvika; Adhonia akati kwaari, “Pinda, nokuti uri munhu wakatendeka, unouya namashoko akanaka.”
Shona 2009?
Wakati achitaura, Jonatani mwanakomana waAbhiatari muprista, akasvika; Adhonia akati kwaari, "Pinda, nokuti uri munhu wakatendeka, unouya namashoko akanaka."
Shona SUB 2002 Bible
Wakati achitaura, Jonatani mwanakomana waAbhiatari mupristi, akasvika; Adhonia akati kwaari, “Pinda, nokuti uri munhu wakatendeka, unouya namashoko akanaka.”