1 Kings 1:47 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ʋuye ʋo, ʋaranda ʋamambo ʋakaenda kuzokudza ishe weɗu mambo Davidi, ʋaciti: Mŋari ŋgaakurise zita raSoromoni, ripfuʋure zita renyu, akurise cigaro cake, cipfuʋure cigaro cenyu coʋushe; mambo akakotama panhoʋo dzake.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Uyezve, machinda amambo auya kuzokorokotedza ishe wedu Mambo Dhavhidhi achiti, ‘Mwari wenyu ngaaite kuti zita raSoromoni rive nomukurumbira kupfuura renyu, uye chigaro chake choushe ngachive chakakura kupfuura chenyu!’ Zvino mambo akotama pamubhedha pake akanamata,
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Uyewo makurukota amambo asvika kuzokorokotedza changamire mambo Dhavhidhi vachitoti, Mwari wenyu ngaaite kuti zita raSoromoni riende mbiri kupinda imi aitewo kuti umambo hwake hukurekure kupfuura hwenyu. Mambo akamukotamira, pamubhedha wake.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Uyewo, varanda vamambo vakaenda kuzokudza ishe wedu mambo Dhavhidhi, vachiti, ‘Mwari ngaakurise zita raSoromoni, ripfuure zita renyu, akurise chigaro chake, chipfuure chigaro chenyu choushe;’ mambo akakotama panhoo dzake.
Shona 2009?
Uyewo, varanda vamambo vakaenda kuzokudza ishe wedu mambo Dhavhidhi, vachiti, `Mwari ngaakurise zita raSoromoni, ripfuure zita renyu, akurise chigaro chake, chipfuure chigaro chenyu choushe;' mambo akakotama panhovo dzake.
Shona SUB 2002 Bible
Uyewo, varanda vamambo vakaenda kuzokudza ishe wedu mambo Dhavhidhi, vachiti, ‘Mwari ngaakurise zita raSoromoni, ripfuure zita renyu, akurise chigaro chake, chipfuure chigaro chenyu choushe;’ mambo akakotama panhoo dzake.