1 Kings 1:48 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ʋuye ɀe mambo wakataura akati: Jehova Mŋari waIsraeri ŋgaakudzwe, wakagadza mumŋe nhasi kuti agare pacigaro caŋgu coʋushe, meso aŋgu aciɀiʋona.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
akati, ‘Jehovha, Mwari waIsraeri, ngaarumbidzwe, iye anditendera kuti ndione mumwe wavana vangu achigara pachigaro changu choushe nhasi.’ ”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Iye mambo atotiwo ngaarumbidzwe Tenzi, Mwari weIsiraeri apa kuti pave nomwana wangu wokugara pachigaro changu choumambo nhasi uno ini ndichizvionawo nameso angu.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Uyezve mambo wakataura akati, ‘Jehovha Mwari waIsiraeri ngaakudzwe, wakagadza mumwe nhasi kuti agare pachigaro changu choushe, meso angu achizviona.’ ”
Shona 2009?
Uyezve mambo wakataura akati, `Jehovha Mwari waIsiraeri ngaakudzwe, wakagadza mumwe nhasi kuti agare pachigaro changu choushe, meso angu achizviona.' "
Shona SUB 2002 Bible
Uyezve mambo wakataura akati, ‘Jehovha Mwari waIsiraeri ngaakudzwe, wakagadza mumwe nhasi kuti agare pachigaro changu choushe, meso angu achizviona.’ ”