1 Kings 1:53 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Naiɀoɀo mambo Soromoni akatuma ʋanhu, ʋakandomubvisa paartari. Akaʋuya, akanamata kunamambo Soromoni. Soromoni akati kwaari: Enda kumba kwako.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ipapo Mambo Soromoni akatuma varume vakandouya naye kubva paaritari. Zvino Adhoniya akauya akakotamira Mambo Soromoni, Soromoni akati kwaari, “Enda kumba kwako.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Mambo Soromoni akatumira shoko, vakandomuburutsa paatari. Akauya akasvikoremekedza mambo Soromoni. Soromoni akamuti, “Chienda zvako kumba kwako.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Naizvozvo mambo Soromoni akatuma vanhu, vakandomubvisa paatari. Akauya, akanamata kuna mambo Soromoni. Soromoni akati kwaari, “Enda kumba kwako.”
Shona 2009?
Naizvozvo mambo Soromoni akatuma vanhu, vakandomubvisa paatari. Akauya, akanamata kuna mambo Soromoni. Soromoni akati kwaari, "Enda kumba kwako."
Shona SUB 2002 Bible
Naizvozvo mambo Soromoni akatuma vanhu, vakandomubvisa paatari. Akauya, akanamata kuna mambo Soromoni. Soromoni akati kwaari, “Enda kumba kwako.”