1 Kings 10:13 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Mambo Soromoni akapa mambokadzi weSheba ɀose ɀaaiɗa neɀaakakumbira; ɀimŋe ɀaakapiwa naSoromoni ɀefuma yake ɀisiŋgaʋereŋgwi. Naiɀoɀo akadzoka, akaenda kunyika yake, iye naʋaranda ʋake.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Mambo Soromoni akapa mambokadzi weShebha zvaaida nezvaakakumbira, pamusoro pezvaakamupa zvaibva papfuma yake youmambo. Ipapo akabva asimuka navaranda vake akadzokera kunyika yake.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Mambo Soromoni akapa kumukadzi uya, mambo wokuShebha, zvose zvaaida zvaainge akumbira tisingaverengere zvaakanga anopiwa zvake naSoromoni. Iye akakotonoka akadzokera kunyika kwake pamwechete namakurukota ake.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Mambo Soromoni akapa mambokadzi weShebha zvose zvaaida nezvaakakumbira; zvimwe zvaakapiwa naSoromoni zvepfuma yake zvisingaverengwi. Naizvozvo akadzoka, akaenda kunyika yake, iye navaranda vake.
Shona 2009?
Mambo Soromoni akapa mambokadzi weShebha zvose zvaaida nezvaakakumbira; zvimwe zvaakapiwa naSoromoni zvefuma yake zvisingaverengwi. Naizvozvo akadzoka, akaenda kunyika yake, iye navaranda vake.
Shona SUB 2002 Bible
Mambo Soromoni akapa mambokadzi weShebha zvose zvaaida nezvaakakumbira; zvimwe zvaakapiwa naSoromoni zvepfuma yake zvisingaverengwi. Naizvozvo akadzoka, akaenda kunyika yake, iye navaranda vake.