1 Kings 10:29 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ŋgoro imŋe neimŋe, yaibva Egipita, yaiteŋgwa namashekeri esirveri anamazana matanhatu, ʋuye biza rimŋe nerimŋe namashekeri anezana namakumi mashanu; saiɀoɀo ʋo madzimambo ose aʋaHiti, namadzimambo aʋaSiria, aiʋigirwa iɀoɀo naʋo.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Vakatenga imwe ngoro kuIjipiti namashekeri esirivha mazana matanhatue, rimwe bhiza rikaita zana namakumi mashanuf. Vaitengeserawo kumadzimambo avaHiti navaAramu.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Kuti munhu atenge ngoro yehondo kuIjipiti, paidiwa mazana matanhatu emari yesirivha yamashekeri, bhizawo richiita zana namakumi mashanu emari yesirivha yamashekeri. Vanhu ivavo vemhindu dzokutengesa vokwamambo ndovaitozondotengeserawo madzimambo evaHiti nemadzimambo okuSiria zvinhu izvozvo.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ngoro imwe neimwe yaibva Ijipiti, yaitengwa namashekeri esirivha ana mazana matanhatu, uye bhiza rimwe nerimwe namashekeri ane zana namakumi mashanu; saizvozvowo madzimambo ose avaHiti, namadzimambo avaSiria, aivigirwa izvozvo navo.
Shona 2009?
Ngoro imwe neimwe yaibva Ijipiti, yaitengwa namashekeri esirivha ana mazana matanhatu, uye bhiza rimwe nerimwe namashekeri ane zana namakumi mashanu; saizvozvowo madzimambo ose avaHiti, namadzimambo avaSiria, aivigirwa izvozvo navo.
Shona SUB 2002 Bible
Ngoro imwe neimwe yaibva Ijipiti, yaitengwa namashekeri esirivha ana mazana matanhatu, uye bhiza rimwe nerimwe namashekeri ane zana namakumi mashanu; saizvozvowo madzimambo ose avaHiti, namadzimambo aVaSiria, aivigirwa izvozvo navo.