1 Kings 10:7 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Asi handina‐kutenda mashoko iwayo, kuȿikira ndaʋuya, ndikaʋona nameso aŋgu; asi tarirai, handina‐kuʋudzwa kunyaŋge hafu yaɀo; kuŋgwara kwenyu neɀakanaka ɀenyu ɀinokunda ɀose ɀandakanzwa.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Asi handina kutenda zvinhu izvi kusvikira ndauya ndikazviona nameso angu chaiwo. Zvechokwadi, zvandakaudzwa hazvisviki pahafu yezviripo; muuchenjeri nomuupfumi mapfuura zvose zvandakanzwa.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Asi ini handina kunge ndazvibvuma kusvikira ndauya ndikatozvionera ndoga nameso angu. Chokwadi kutaurirwa hunyimwa, muto wokupungurirwa haupedzese sadza, zvandakanzwa hazvimbosvika napaduku pose pane ungwaru hwenyu nokupfuma kwenyu.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Asi handina kutenda mashoko iwayo, kusvikira ndauya, ndikaona nameso angu; asi tarirai, handina kuudzwa kunyange hafu yazvo; kungwara kwenyu nezvakanaka zvenyu zvinokunda zvose zvandakanzwa.
Shona 2009?
Asi handina kutenda mashoko iwayo, kusvikira ndauya, ndikaona nameso angu; asi tarirai, handina kuudzwa kunyange hafu yazvo; kungwara kwenyu nezvakanaka zvenyu zvinokunda zvose zvandakanzwa.
Shona SUB 2002 Bible
Asi handina kutenda mashoko iwayo, kusvikira ndauya, ndikaona nameso angu; asi tarirai, handina kuudzwa kunyangwe hafu yazvo; kungwara kwenyu nezvakanaka zvenyu zvinokunda zvose zvandakanzwa.