1 Kings 11:18 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Iʋo ʋakasimuka, ʋakabva Midiani, ʋakaȿika Parani; ʋakatora ʋamŋe ʋarume ʋeParani, ʋakaenda Egipita kunaFarao mambo weEgipita; iye akamupa imba, akaraira kuti apiwe ɀokudya, akamupa ʋo nyika pokugara.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Vakasimuka vachibva kuMidhiani vakaenda kuParani. Ipapo vakatora vamwe varume vokuParani vakaenda pamwe chete kuIjipiti, kuna mambo Faro weIjipiti, uyo akapa Hadhadhi imba nomunda, akamupawo zvokudya.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Rwendo rwavo vakarutangira kuMidhiani vakaenda nokuParani kwavakatora vamwe varume vavakaenda navo kuIjipiti kuna Farao mambo weIjipiti akamupa imba, akati apote achipiwa mugove wake wechokudya akamupawo nyika.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ivo vakasimuka, vakabva Midhiani, vakasvika Parani; vakatora vamwe varume veParani, vakaenda Ijipiti kuna Farao mambo weIjipiti; iye akamupa imba, akaraira kuti apiwe zvokudya, akamupawo nyika pokugara.
Shona 2009?

Shona SUB 2002 Bible