1 Kings 11:21 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino Hadadi wakati acinzwa paEgipita, kuti Davidi waʋata namadziɓaɓa ake, ʋuye kuti Joabi mukuru wehondo wafa, Hadadi akati kunaFarao: Regai ndiende haŋgu kunyika yaŋgu.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ari muIjipiti, Hadhadhi akanzwa kuti Dhavhidhi akanga azorora namadzibaba ake uye kuti Joabhu mutungamiri wehondo akanga afawo. Ipapo Hadhadhi akati kuna Faro, “Chindiregai ndiende hangu, ndidzokere kunyika yangu.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Hadhadhi achiri muIjipiti imomo paakanzwa kuti Dhavhidhi akavata akaendawo kwakaenda vamwe, madzitateguru ake uyewo kuti Joabhu mutungamiriri wehondo uya akafa, Hadhadhi uyu akati kuna Farao, “Chiregai zvenyu ndiende kunyika yokwangu.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino Hadhadhi wakati achinzwa paIjipiti, kuti Dhavhidhi wavata namadzibaba ake, uye kuti Joabhu mukuru wehondo wafa, Hadhadhi akati kuna Farao, “Regai ndiende hangu kunyika yangu.”
Shona 2009?
Zvino Hadhadhi wakati achinzwa kuti Dhavhidhi wavata namadzibaba ake, uye kuti Joabhu mukuru wehondo wafa, Hadhadhi akati kuna Farao, "Regai ndiende hangu kunyika yangu."
Shona SUB 2002 Bible
Zvino Hadhadhi wakati achinzwa muIjipiti, kuti Dhavhidhi wavata namadzibaba ake, uye kuti Joabhu mukuru wehondo wafa, Hadhadhi akati kuna Farao, “Regai ndiende hangu kunyika yangu.”