1 Kings 11:33 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
nokuti ʋakandirasha, ʋakanamata kunaAshtoreti mŋarikadzi waʋaZidoni, naKemoshi mŋari waʋaMoabi, naMirkomi mŋari waʋana ʋaAmoni; haʋana kufamba panzira dzaŋgu, nokuita ɀakarurama pamberi paŋgu, nokuceŋgeta mitemo yaŋgu neɀandakatoŋga, seɀakaita Davidi ɓaɓa ʋake.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ndichaita izvi nokuti vakandirasa vakanamata Ashitoreti, mwarikadzi wavaSidhoni, Kemoshi, mwari wavaMoabhu, naMoreki, mwari wavaAmoni, uye havana kufamba munzira dzangu, kana kuita zvakarurama pamberi pangu, kana kuchengeta mitemo yangu nemirayiro yangu sezvakaitwa naDhavhidhi, baba vaSoromoni.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Ndiri kuita izvi pamusana pokuti vakandifuratira vavakundopfugamira zvavo Ashitoreti mwari weSidhoni wechikadzi naKemoshi mwari wevaMoabhu uye Mirikomu mwari wevaAmori vakasiya kufamba mumakwara angu. Zvokuita zvakanaka izvi zvandinoda vakakanda pasi. Zvaiita baba vake Dhavhidhi zvokuchengeta mirao yangu nezvirevo zvangu vakakandawo pasi.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
nokuti vakandirasha, vakanamata kuna Ashitoreti mwarikadzi wavaZidhoni, naKemoshi mwari wavaMoabhu, naMirikomi mwari wavana vaAmoni; havana kufamba panzira dzangu, nokuita zvakarurama pamberi pangu, nokuchengeta mitemo yangu nezvandakatonga, sezvakaita Dhavhidhi baba vake.
Shona 2009?

Shona SUB 2002 Bible