1 Kings 11:36 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Asi mŋanakomana wake ndicamupa rudzi rumŋe, kuti Davidi muranda waŋgu aʋe nomŋenje ŋguʋa dzose pamberi paŋgu paJerusarema, iro guta randakaɀitsaurira, ndiise zita raŋgu’po.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ndichapa mwanakomana wake rudzi rumwe chete kuitira kuti Dhavhidhi muranda wangu arambe ane mwenje nguva dzose pamberi pangu muJerusarema, guta randakasarudza kuisa Zita rangu.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Kunyange zvakadaro zvazvo, kumwanakomana wake iyeyo ndichapa dzinza rimwechete kuitira kuti muranda wangu Dhavhidhi awanewo kamoto kanoramboti roi roi mazuva ose pandiri muJerusaremu guta randakasarudzira kuisa zita rangu,
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Asi mwanakomana wake ndichamupa rudzi rumwe, kuti Dhavhidhi muranda wangu ave nomwenje nguva dzose pamberi pangu paJerusaremu, iro guta randakazvitsaurira, ndiise zita rangupo.
Shona 2009?
Asi mwanakomana wake ndichamupa rudzi rumwe, kuti Dhavhidhi muranda wangu ave nomwenje nguva dzose pamberi pangu paJerusaremu, iro guta randakazvitsaurira, ndiise zita rangupo.
Shona SUB 2002 Bible
Asi mwanakomana wake ndichamupa rudzi rumwe, kuti Dhavhidhi muranda wangu ave nomwenje nguva dzose pamberi pangu paJerusaremu, iro guta randakazvitsaurira, ndiise zita rangupo.