1 Kings 11:38 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Kana ukaterera ɀose ɀandinokuraira, ukafamba munzira dzaŋgu, ukaita ɀakarurama pamberi paŋgu, ukaceŋgeta ɀandatema nemirairo yaŋgu, seɀakaita Davidi muranda waŋgu, ini ndicaʋa newe, ndicakuʋakira imba yakasimba, seɀandakaʋakira Davidi, ndigokupa Israeri.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Kana ukaita chipi nechipi chandicharayira uye ukafamba munzira dzangu ukaita zvakarurama pamberi pangu uye ukachengeta mitemo nemirayiro yangu, sezvakaita Dhavhidhi muranda wangu, ndichava newe. Ndichakuvakira imba seyandakavakira Dhavhidhi uye ndichakupa Israeri.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Kana ukateerera zvose zvandinokuudza, ukafamba nomumakwara angu, uchiita zvinhu zvakanaka kwandiri uchichengeta mirao yangu nemitemo yangu sezvaiita muranda wangu Dhavhidhi, ndichava newe. Ndichaitawo kuti umambo hupinde mumba mako hubatirire sokuvaka kwandakaita imba yaDhavhidhi iwe ndigokupa vokwaIsiraeri.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Kana ukateerera zvose zvandinokuraira, ukafamba munzira dzangu, ukaita zvakarurama pamberi pangu, ukachengeta zvandatema nemirairo yangu, sezvakaita Dhavhidhi muranda wangu, ini ndichava newe, ndichakuvakira imba yakasimba, sezvandakavakira Dhavhidhi, ndigokupa Isiraeri.
Shona 2009?

Shona SUB 2002 Bible