1 Kings 11:43 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ipapo Soromoni akaʋata namadziɓaɓa ake, akaʋigwa muguta raDavidi ɓaɓa ʋake, Rehoboami mŋanakomana wake akazomuteʋera pakuɓata ʋushe.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ipapo akazorora namadzibaba ake akavigwa muguta raDhavhidhi baba vake. Ipapo Rehobhoamu mwanakomana wake akamutevera paumambo.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Soromoni akazovata woendawo kwakaenda vamwe, madzitateguru ake, akavigwa muguta raDhavhidhi baba vake. Mwanakomana wake Rehobhoamu ndiye akazotonga panzvimbo pake.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ipapo Soromoni akavata namadzibaba ake, akavigwa muguta raDhavhidhi baba vake, Rehobhoamu mwanakomana wake akazomutevera pakubata ushe.
Shona 2009?
Ipapo Soromoni akavata namadzibaba ake, akavigwa muguta raDhavhidhi baba vake, Rehobhoamu mwanakomana wake akazomutevera pakubata ushe.
Shona SUB 2002 Bible
Ipapo Soromoni akavata namadzibaba ake, akavigwa muguta raDhavhidhi baba vake, Rehobhoamu mwanakomana wake akazomutevera pakubata ushe.