1 Kings 12:10 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino majaya ezero rake akataura kwaari, aciti: Iti kuʋanhu aʋa ʋakataura newe, ʋaciti: Ƃaɓa ʋenyu ʋakatitakudza joko rinogozha, asi imi citirerusirai iro, utaure kwaʋari, uti: Munwe waŋgu muɗuku mukobvu kupfuʋura ciʋuno caɓaɓa ʋaŋgu.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Majaya aakanga akura nawo akapindura akati, “Udzai vanhu ava vati kwamuri, ‘Baba venyu vakaisa joko rinorema pamusoro pedu, asi imi chitirerutsirai joko redu’ vaudzei kuti, ‘Munwe wangu muduku, mukobvu kupfuura chiuno chababa vangu.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Vechidiki vaakakura navo ava vakamuti, “Udzai vanhu ivavo vakakutii, ‘Baba venyu vakatiremedza nejoko rinorema dai mukachitirerutsirawo,’ kuti kasiyanwa kangu kakobvu pane chiuno chababa vangu.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino majaya ezero rake akataura kwaari achiti, “Iti kuvanhu ava vakataura newe vachiti, ‘Baba venyu vakatitakudza joko rinogozha, asi imi chitirerusirai iro,’ utaure kwavari uti, ‘Munwe wangu muduku mukobvu kupfuura chiuno chababa vangu.’
Shona 2009?
Zvino majaya ezero rake akataura kwaari achiti, "Iti kuvanhu ava vakataura newe vachiti, Baba venyu vakatitakudza joko rinogozha, asi imwi chitirerusirai iro,' utaure kwavari uti, Mumwe wangu muduku mukobvu kupfuura chiuno chababa vangu.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino majaya ezero rake akataura kwaari achiti, “Iti kuvanhu ava vakataura newe vachiti, ‘Baba venyu vakatitakudza joko rinogozha, asi imi chitirerusirai iro,’ utaure kwavari uti, ‘Munwe wangu muduku mukobvu kupfuura chiuno chababa vangu.’