1 Kings 12:15 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Naiɀoɀo mambo haana‐kuterera ʋanhu; nokuti cinhu ico cakaŋga cabva kunaJehova, kuti Jehova asimbise shoko rake, raakataura naAhija muShiro kunaJeroboami mŋanakomana waNebati.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Naizvozvo mambo haana kuteerera vanhu, nokuti zvakaitika izvi zvakanga zvabva kuna Jehovha, kuti shoko raJehovha raakanga ataura kuna Jerobhoamu mwanakomana waNebhati kubudikidza naAhija muShiro rizadziswe.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Nokudaro mambo haana kunzwa chichemo chavanhu ivava nokuti maitikiro aya ezvinhu akanga auyiswa naTenzi kuti azadzikise shoko rake raakanga ataura nomuromo waAhija okuShiro kuna Jerobhoamu mwanakomana waNebhati.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Naizvozvo mambo haana kuteerera vanhu; nokuti chinhu icho chakanga chabva kuna Jehovha, kuti Jehovha asimbise shoko rake, raakataura naAhija muShiro kuna Jerobhoamu mwanakomana waNebhati.
Shona 2009?
Naizvozvo mambo haana kuteerera vanhu; nokuti chinhu icho chakanga chabva kuna Jehovha, kuti Jehovha asimbise shoko rake, raakataura naAhija muShiro kuna Jerobhoamu mwanakomana waNebhati.
Shona SUB 2002 Bible
Naizvozvo mambo haana kuteerera vanhu; nokuti chinhu icho chakanga chabva kuna Jehovha, kuti Jehovha asimbise shoko rake, raakataura naAhija muShiro kuna Jerobhoamu mwanakomana waNebhati.