1 Kings 12:16 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino ʋaIsraeri ʋose ʋakati ʋaciʋona kuti mambo haana‐kuʋaterera, ʋanhu ʋakapindura mambo ʋakati: Tinomugoʋe weiko kunaDavidi? Ʋuye hatinenhaka kumŋanakomana waJese; endai kumatente enyu, ʋaIsraeri; iwe Davidi, citarira hako imba yako; naiɀoɀo ʋaIsraeri ʋakaenda kumatente aʋo.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Zvino vaIsraeri vose pavakaona kuti mambo akanga aramba kuvateerera, vakapindura mambo vakati: “Tino mugove weiko muna Dhavhidhi, nhaka yedu ndeipiko mumwanakomana waJese? Kumatende enyu, imi vaIsraeri! Iwe Dhavhidhi, chizvichengetera imba yako!” Saka vaIsraeri vakaenda kumisha yavo.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
VokwaIsiraeri vose pavakaona kuti mambo haana kuvanzwa, vanhu vakapindura mambo vachiti, “Isu muna Dhavhidhi, mugove wedu ndowei chaizvo? Hatina isu nhaka mumwana waJese. VokwaIsiraeri, kumusha! Iwe Dhavhidhi, zvomumba mako wochizvionera.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino vaIsiraeri vose vakati vachiona kuti mambo haana kuvateerera, vanhu vakapindura mambo vakati, “Tinomugove weiko kuna Dhavhidhi? Uye hatine nhaka kumwanakomana waJese; endai kumatende enyu, vaIsiraeri; iwe Dhavhidhi, chitarira hako imba yako.” Naizvozvo vaIsiraeri vakaenda kumatende avo.
Shona 2009?
Zvino vaIsiraeri vose vakati vachiona kuti mambo haana kuvateerera, vanhu vakapindura mambo vakati, "Tinomugove weiko kuna Dhavhidhi? Uye hatine nhaka kumwanakomana waJese; endai kumatende enyu, vaIsiraeri; iwe Dhavhidhi, chitarira hako imba yako." Naizvozvo vaIsiraeri vakaenda kumatende avo.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino VaIsiraeri vose vakati vachiona kuti mambo haana kuvateerera, vanhu vakapindura mambo vakati, “Tino mugove weiko kuna Dhavhidhi? Uye hatine nhaka kumwanakomana waJese; endai kumatende enyu, VaIsiraeri; iwe Dhavhidhi, chitarira hako imba yako.” Naizvozvo VaIsiraeri vakaenda kumatende avo.