1 Kings 12:24 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀanzi naJehova: Hamufaniri kukwira kundorwa nehama dzenyu iʋo ʋana ʋaIsraeri; mumŋe nomumŋe ŋgaadzokere kumba kwake, nokuti cinhu ici cinobva kwandiri. Naiɀoɀo ʋakaterera shoko raJehova, ʋakadzoka, ʋakaenda haʋo, seɀaʋakaʋudzwa naJehova.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
‘Zvanzi naJehovha: Musakwira kumusoro kundorwa nehama dzenyu, vaIsraeri. Endai kumisha yenyu mumwe nomumwe wenyu, nokuti ndini ndaita izvi.’ ” Naizvozvo vakateerera shoko raJehovha vakaenda kumisha yavo zvakare, sezvakanga zvarayirwa naJehovha.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
zvanzi naTenzi, regai kuenda uye musarwisana nehama dzenyu vanhu vokwaIsiraeri. Munhu wese ngaadzokere kumusha nokuti zvinhu izvi zvakabva kwandiri.” Saizvozvo vakateerera zvakarehwa naTenzi ndokudzokera zvavo voenda sokutaura kwaTenzi.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
“Zvanzi naJehovha, Hamufaniri kukwira kundorwa nehama dzenyu ivo vana vaIsiraeri; mumwe nomumwe ngaadzokere kumba kwake, nokuti chinhu ichi chinobva kwandiri.” Naizvozvo vakateerera shoko raJehovha, vakadzoka, vakaenda havo, sezvavakaudzwa naJehovha.
Shona 2009?
"Zvanzi naJehovha, Hamufaniri kukwira kundorwa nehama dzenyu ivo vana vaIsiraeri; mumwe nomumwe ngaadzokere kumba kwake, nokuti chinhu ichi chinobva kwandiri." Naizvozvo vakateerera shoko raJehovha, vakadzoka, vakaenda havo, sezvavakaudzwa naJehovha.
Shona SUB 2002 Bible
“Zvanzi naJehovha, Hamufaniri kukwira kundorwa nehama dzenyu ivo vana VaIsiraeri; mumwe nomumwe ngaadzokere kumba kwake, nokuti chinhu ichi chinobva kwandiri.” Naizvozvo vakateerera shoko raJehovha, vakadzoka, vakaenda havo, sezvavakaudzwa naJehovha.