1 Kings 12:31 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Akaʋaka ʋo dzimba pamatunhu akakwirira, akatora ʋamŋe pakati paʋanhu akaʋaita ʋaprista, ʋasati ʋari ʋaʋana ʋaRevi.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Jerobhoamu akavaka dzimba panzvimbo dzakakwirira akatora vanhu vose vose akavaita vaprista, kunyange vaisava vaRevhi.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Akavakawo dzimba panzvimbo dzakatunhumara dzokuteurira akapa basa roupristi kuvanhuwo zvavo vasiri vemba yokwaRevhi.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Akavakawo dzimba pamatunhu akakwirira, akatora vamwe pakati pavanhu akavaita vapristi, vasati vari vavana vaRevhi.
Shona 2009?
Akavakawo dzimba pamatunhu akakwirira, akatora vamwe pakati pavanhu akavaita vaprista, vasati vari vavana vaRevhi.
Shona SUB 2002 Bible
Akavakawo dzimba pamatunhu wakakwirira, akatora vamwe pakati pavanhu akavaita vapristi, vasati vari vavana vaRevhi.