1 Kings 12:32 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino Jeroboami akaraira mutambo pamŋedzi worusere, nezuʋa regumi namashanu romŋedzi, wakaŋga wakafanana nomutambo waiʋa kuʋaJuda; akaɓayira paartari; akaita ʋo saiɀoɀo paBeteri, akaɓayira mhuru dzaakaʋumba; akagadza ʋo paBeteri ʋaprista ʋamatunhu akakwirira aakaita.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Akatangisa mutambo wezuva regumi namashanu romwedzi worusere, wakafanana nomutambo wokuJudha, akabayira zvibayiro paaritari. Izvi akazviita muBheteri, akabayira kumhuru dzaakanga agadzira, uye paBheteri akagadzawo vaprista panzvimbo dzakakwirira dzaakanga aita.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Jerobhoamu uyu akasarudza zuva guru mumwedzi wechisere musi wechigumi neshanu kutevedzera zuva guru raichengetwa kwaJudha. Akapira zvibayiro paatari. Izvozvi ndozvaakaita kuBhetieri achipira zvibayiro kuzvimhuru zvaakanga aumba. Akaisawo muBhetieri imomo vapristi venzvimbo dzakatunhumara dzokuteurira dziye dzaakanga agadzira.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino Jerobhoamu akaraira mutambo pamwedzi worusere, nezuva regumi namashanu romwedzi, wakanga wakafanana nomutambo waiva kuvaJudha; akabayira paaritari; akaitawo saizvozvo paBheteri, akabayira mhuru dzaakaumba; akagadzawo paBheteri vapristi vamatunhu akakwirira aakaita.
Shona 2009?
Zvino Jerobhoamu akaraira mutambo pamwedzi worusere, nezuva regumi namashanu romwedzi, wakanga wakafanana nomutambo waiva kuvaJudha; akabayira paaritari; akaitawo saizvozvo paBheteri, akabayira mhuru dzaakaumba; akagadzawo paBheteri vaprista vamatunhu akakwirira aakaita.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino Jerobhoamu akaraira mutambo pamwedzi worusere, nezuva regumi namashanu romwedzi, wakanga wakafanana nomutambo waiva kuvaJudha; akabayira paatari; akaitawo saizvozvo paBhetieri, akabayira mhuru dzaakaumba; akagadzawo paBhetieri vapristi vamatunhu akakwirira aakaita.