1 Kings 13:1 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino tarira, mumŋe munhu waMŋari wakaŋga arairwa neshoko raJehova, wakabva kwaJuda, akaȿika Beteri; Jeroboami wakaŋga amire paartari acipisa ɀinonhuwira.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Nokuda kweshoko raJehovha munhu waMwari akabva kuJudha akauya kuBheteri, Jerobhoamu paakanga akamira pedyo nearitari ava kupirisa zvinonhuwira.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Ndiye munhu waMwari nepo vhu achibva kwaJudha neshoko raTenzi. Izvozvo Jerobhoamu akanga amire padyo neatari kuti achipisa rusenzi.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino tarira, mumwe munhu waMwari wakanga arairwa neshoko raJehovha, wakabva kwaJudha, akasvika Bheteri; Jerobhoamu wakanga amire paaritari achipisa zvinonhuwira.
Shona 2009?
Zvino tarira, mumwe munhu waMwari wakanga arairwa neshoko raJehovha, wakabva kwaJudha, akasvika Bheteri; Jerobhoamu wakanga amire paaritari achipisa zvinonhuhwira.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino tarira, mumwe munhu waMwari akanga arairwa neshoko raJehovha, wakabva kwaJudha, akasvika Bhetieri; Jerobhoamu wakanga amire paatari achipisa zvinonhuwira.