1 Kings 13:18 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ipapo akati kwaari: Neni ʋo ndiri muprofita sewe; ɀino mutumŋa wakandiʋudza shoko raJehova, akati: Dzoka naye kumba kwako, adye ɀokudya nokunwa mvura. Akareʋa nhema kwaari.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Muprofita akanga ava harahwa akapindura akati, “Neniwo ndiri muprofita sezvawakaita. Zvino mutumwa ati kwandiri neshoko raJehovha, ‘Dzoka naye kumba kwako kuitira kuti adye chingwa uye anwe mvura.’ ” Asi akanga achimunyepera.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Vakamuti, “Ini ndiri muporofitawo semi. Mutumwa anditaurirawo shoko raTenzi achiti, ‘Dzokera naye kumba kwako kuti adye chokudya amwewo mvura,’ ” asi akanga achimunyepera zvake.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ipapo akati kwaari, “Neniwo ndiri muporofita sewe; zvino mutumwa wakandiudza shoko raJehovha, akati, ‘Dzoka naye kumba kwako, adye zvokudya nokunwa mvura.’ ” Akareva nhema kwaari.
Shona 2009?
Ipapo akati kwaari, "Neniwo ndiri muporofita sewe; zvino mutumwa wakandiudza shoko raJehovha, akati, Dzoka naye kumba kwako, adye zvokudya nokumwa mvura.' " Akareva nhema kwaari.
Shona SUB 2002 Bible
Ipapo akati kwaari, “Neniwo ndiri muporofita sewe; zvino mutumwa wakandiudza shoko raJehovha, akati, ‘Dzoka naye kumba kwako, adye zvokudya nokunwa mvura.’ ” Akareva nhema kwaari.