1 Kings 13:2 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Iye akaɗanidzira kuartari, neshoko raJehova, akati: Iwe artari, artari, ɀanzi naJehova: Tarirai, imba yaDavidi icaponerwa mŋanakomana, ucanzi Josia; iye ucaɓaya pamsoro pako ʋaprista ʋamatunhu akakwirira, ʋanopisira ɀinonhuwira pamsoro pako, ʋuye ʋacapisa mafupa aʋanhu pamsoro pako.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Akadanidzira kuaritari akati, “Iwe aritari, aritari! Zvanzi naJehovha, ‘Mwanakomana anonzi Josia achaberekwa muimba yaDhavhidhi. Vaprista vamatunhu akakwirira vari kupisira zvinonhuwira pano zvino, achavabayira pamusoro pako, uye mapfupa avanhu achapiswa pamusoro pako.’ ”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Murume uyu akadaidzira kuatari iyoyi namazwi aakafemerwa naTenzi achiti, “Atari, iwe atari, zvanzi naTenzi, chinzwa kuchaberekwa mwana mukomana womumba yokwaDhavhidhi ane zita rokuti Josiya. Iyeyo achapira pauri iyewe sezvibayiro vapristi venzvimbo dzakatunhumara dzokuteurira vachipisa rusenzi pauri. Vachapisa pauri iwe mapfupa avanhu.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Iye akadanidzira kuaritari, neshoko raJehovha, akati, “Iwe aritari, aritari, zvanzi naJehovha, Tarirai, imba yaDhavhidhi ichaponerwa mwanakomana, uchanzi Josia; iye uchabaya pamusoro pako vapristi vamatunhu akakwirira, vanopisira zvinonhuwira pamusoro pako, uye vachapisa mapfupa avanhu pamusoro pako.”
Shona 2009?
Iye akadanidzira kuaritari, neshoko raJehovha, akati, "Iwe aritari, aritari, zvanzi naJehovha, Tarirai, imba yaDhavhidhi ichaponerwa mwanakomana, uchanzi Josiya; iye uchabaya pamusoro pako vaprista vamatunhu akakwirira, vanopisira zvinonhuhwira pamusoro pako, uye vachapisa mapfupa avanhu pamusoro pako."
Shona SUB 2002 Bible
Iye akadanidzira kuatari, neshoko raJehovha, akati, “Iwe atari, atari, zvanzi naJehovha, Tarirai, imba yaDhavhidhi ichaponerwa mwanakomana, uchanzi Josiya; iye uchabaya pamusoro pako vapristi vamatunhu akakwirira, vanopisira zvinonhuwira pamusoro pako, uye vachapisa mapfupa avanhu pamusoro pako.”