1 Kings 13:22 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
ukadzoka, ukadya ɀokudya, ukanwa mvura ipapo paakati kwauri: Usadya ɀokudya nokunwa mvura, naiɀoɀo citunha cako haciŋgaȿiki mubgiro bgamadziɓaɓa ako.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Wadzoka ukadya chingwa uye ukanwa mvura munzvimbo yaakakuudza kuti usadya kana kunwa. Naizvozvo mutumbi wako hausi kuzovigwa muguva ramadzibaba ako.’ ”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
ukadzoka ukatodya zvako chokudya nokunwa zvako mvura yokuno’ kunzvimbo yaakakuti, ‘Rega kudya chokudya kana kunwa mvura, nezvo chitunha chako hachichazovigwa muguva rababa vako.’ ”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
ukadzoka, ukadya zvokudya, ukanwa mvura’ ipapo paakati kwauri, ‘Usadya zvokudya nokunwa mvura, naizvozvo chitunha chako hachingasviki muhwiro hwamadzibaba ako.’ ”
Shona 2009?
ukadzoka, ukadya zvokudya, ukamwa mvura ipapo paakati kwauri, Usadya zvokudya nokumwa mvura, naizvozvo chitunha chako hachingasviki muhwiro hwamadzibaba ako.'
Shona SUB 2002 Bible
ukadzoka, ukadya zvokudya, ukanwa mvura’ ipapo paakati kwauri, ‘Usadya zvokudya nokunwa mvura, naizvozvo chitunha chako hachingasviki muhwiro hwamadzibaba ako.’ ”