1 Kings 13:23 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino wakati adya ɀokudya, nokunwa, akamusuŋgirira cigaro pamboŋgoro, iye muprofita waakadzosa.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Munhu waMwari paakapedza kudya nokunwa, muprofita akanga amudzosa akamusungirira chigaro pambongoro.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Kuzoti apedza kudya chokudya nokunwa mvura, akasungira dhongi muporofita waakanga adzora.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino wakati adya zvokudya, nokunwa, akasungirira chityaro pambongoro, iye muporofita waakadzosa.
Shona 2009?
Zvino wakati adya zvokudya, nokumwa, akasungirira chigaro pambongoro, iye muporofita waakadzosa.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino wakati adya zvokudya, nokunwa, akasungirira chityaro pambongoro, iye muporofita waakadzosa.