1 Kings 13:25 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino ʋonei, ʋanhu ʋakapfuʋura napo, ʋakaʋona citunha cakakandirwa munzira, ʋuye shumba imire pacitunha; ʋakaenda, ʋakandoɀiʋudza ʋanhu muguta, makaŋga mugere muprofita mutana.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Vamwe vanhu vaipfuura nepo vakaona mutumbi uyu wakakandwa panzira, shumba yakamira parutivi pomutumbi, uye vakaenda vakandozvitaura muguta maigara muprofita akanga ava harahwa.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Ndokubva vamwe vanhu vaipfuura nepo vaona chitunha chiya chakati rapata munzira. Shumbawo yakati mbikiti zvayo kumira pedyo nechitunha. Vakasvika vakataura izvozvi muguta maigara muporofita wechikuru uya.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino wonei, vanhu vakapfuura napo, vakaona chitunha chakakandirwa munzira, uye shumba imire pachitunha; vakaenda, vakandozviudza vanhu muguta, makanga mugere muporofita mutana.
Shona 2009?
Zvino wonei, vanhu vakapfuura napo, vakaona chitunha chakakandirwa munzira, uye shumba imire pachitunha; vakaenda, vakandozviudza vanhu muguta, makanga mugere muporofita mutana.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino wonei, vanhu vakapfuura napo, vakaona chitunha chakakandirwa munzira, uye shumba imire pachitunha; vakaenda, vakandozviudza vanhu muguta, makanga mugere muporofita mutana.