1 Kings 13:26 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino muprofita, wakamudzosa panzira, wakati aciɀinzwa, akati: Ndiye munhu waMŋari usina‐kuterera muromo waJehova; naiɀoɀo Jehova wakamukweʋerera pashumba, ikamubvambura, ikamuʋuraya, seɀakarebga neshoko raJehova raakataura kwaari.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Muprofita akanga amudzosa parwendo rwake paakazvinzwa, akati, “Ndiye munhu waMwari asina kuteerera shoko raJehovha. Jehovha amupa kushumba, iyo yamubvambura nokumuuraya, sokumuyambira kwakanga kwaita shoko raJehovha.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Muporofita uya, nyakumbomudzora munzira paakazvinzwa akati, “Munhu waMwari uya chete asina kuteerera shoko raTenzi. Naizvozvo ndokusaka Tenzi akamuisa mukanwa meshumba yakamubvambura ikamuuraya sokutaura kwaita Tenzi.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino muporofita, wakamudzosa panzira, wakati achizvinzwa, akati, “Ndiye munhu waMwari usina kuteerera muromo waJehovha; naizvozvo Jehovha wakamukweverera pashumba, ikamubvambura, ikamuuraya, sezvakarehwa neshoko raJehovha raakataura kwaari.”
Shona 2009?
Zvino muporofita, wakamudzosa panzira, wakati achizvinzwa, akati, "Ndiye munhu waMwari usina kuteerera muromo waJehovha; naizvozvo Jehovha wakamukwevera pashumba, ikamubvambura, ikamuuraya, sezvakarehwa neshoko raJehovha raakataura kwaari."
Shona SUB 2002 Bible
Zvino muporofita, wakamudzosa panzira, wakati achizvinzwa, akati, “Ndiye munhu waMwari usina kuteerera muromo waJehovha; naizvozvo Jehovha akamukweverera pashumba, ikamubvambura, ikamuuraya, sezvakarehwa neshoko raJehovha raakataura kwaari.”