1 Kings 13:28 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Akaenda, akandowana citunha cake cakakandirwa munzira, ʋuye mboŋgoro neshumba ɀimire pacitunha; shumba yakaŋga isina‐kudya citunha kana kubvambura mboŋgoro.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ipapo akaenda akandoona mutumbi wakakandwa panzira, mbongoro neshumba zvakamira parutivi pawo. Shumba yakanga isina kudya mutumbi kana kubvambura mbongoro.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Akaenda ndokuwanawo chitunha chakati munzira rapata, dhongi neshumba zvakangotiwo mbikiti zvazvo kumira pedyo nechitunha chacho. Shumba haina kudya chitunha kana kubvambura dhongi.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Akaenda, akandowana chitunha chake chakakandirwa munzira, uye mbongoro neshumba zvimire pachitunha; shumba yakanga isina kudya chitunha kana kubvambura mbongoro.
Shona 2009?
Akaenda, akandowana chitunha chake chakakandirwa munzira, uye mbongoro neshumba zvimire pachitunha; shumba yakanga isina kudya chitunha kana kubvambura mbongoro.
Shona SUB 2002 Bible
Akaenda, akandowana chitunha chake chakakandirwa munzira, uye mbongoro neshumba zvimire pachitunha; shumba yakanga isina kudya chitunha kana kubvambura mbongoro.