1 Kings 13:33 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Pashure pecinhu ici Jeroboami haana‐kutendeʋuka panzira yake yakaipa, asi wakatsaura ɀe ʋamŋe pakati paʋanhu ʋose, akaʋaita ʋaprista pamatunhu akakwirira; aninani waaiɗa, waimugadza, akaʋaita ʋaprista pamatunhu akakwirira.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Kunyange shure kwaizvozvi, Jerobhoamu haana kupinduka pamaitiro ake akaipa, asi akasarudzazve vaprista venzvimbo dzakakwirira kubva kuvanhu vakangosiyana-siyana. Munhu wose wose aida kuva muprista aigadzwa kuti ashande panzvimbo dzakakwirira.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Mushure maizvozvi Jerobhoamu haana kukanda pasi uipi hwake. Akadzokera makare mukupa vanhuwo zvavo basa roupristi hwenzvimbo dziya dzakatunhumara dzokuteurira achitoteketerera zvake kuna Mwari munhu wose wose ainge angodawo zvake kuti ave mupristi wenzvimbo dzakatunhumara dzokuteurira.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Pashure pechinhu ichi Jerobhoamu haana kutendeuka panzira yake yakaipa, asi wakatsaurazve vamwe pakati pavanhu vose, akavaita vapristi pamatunhu akakwirira; Ani naani waaida, waimugadza, akavaita vapristi pamatunhu akakwirira.
Shona 2009?
Pashure pechinhu ichi Jerobhoamu haana kutendeuka panzira yake yakaipa, asi wakatsaurazve vamwe pakati pavanhu vose, akavaita vaprista pamatunhu akakwirira; Ani naani waaida, waimugadza, akavaita vaprista pamatunhu akakwirira.
Shona SUB 2002 Bible
Pashure pechinhu ichi Jerobhoamu haana kutendeuka panzira yake yakaipa, asi wakatsaurazve vamwe pakati pavanhu vose, akavaita vapristi pamatunhu akakwirira; Ani naani waaida, waimugadza, akavaita vapristi pamatunhu akakwirira.