1 Kings 13:4 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino mambo wakati acinzwa shoko romunhu waMŋari, raakaɗanidzira kuartari paBeteri, Jeroboami akasimudza ruʋoko rwake paartari, akatendeka narwo, akati: Muɓatei! Ipapo ruʋoko rwake rwaakaŋga amutendeka narwo rwakawoma, akasagona kurudzosa ɀe.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Zvino Mambo Jerobhoamu paakanzwa zvakanga zvadanidzirwa nomunhu waMwari kuaritari paBheteri, akatambanudza ruoko rwake ruchibva kuaritari akati, “Mubatei!” Asi ruoko rwaakatambanudzira kumurume uyu rwakaoma, zvokuti akatadza kurudzosa zvakare.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Mambo Jerobhoamu paakanzwa zvaitaurwa nomunhu waMwari nezveatari yapaBhetieri, akatambanudza ruoko kumunongedza ari paatari ipapo achiti, “Batai munhu uyo.” Ruoko irworwo rwaakatambanudza kunongedza rwakabva rwati papata kuoma zvokuti haana kukwanisa kurugonyesa.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino mambo wakati achinzwa shoko romunhu waMwari, raakadanidzira kuaritari paBheteri Jerobhoamu akasimudza ruoko rwake paaritari, akatendeka narwo, akati, “Mubatei!” Ipapo ruoko rwake rwaakanga amutendeka narwo rwakawoma, akasagona kurudzosazve.
Shona 2009?
Zvino mambo wakati achinzwa shoko romunhu waMwari, raakadanidzira kuaritari paBheteri Jerobhoamu akasimudza ruoko rwake paaritari, akatendeka narwo, akati, "Mubatei!" Ipapo ruoko rwake rwaakanga amutendeka narwo rwakawoma, akasagona kurudzosazve.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino mambo wakati achinzwa shoko romunhu waMwari, raakadanidzira kuatari paBhetieri Jerobhoamu akasimudza ruoko rwake paatari, akatendeka narwo, akati, “Mubatei!” Ipapo ruoko rwake rwaakanga amutendeka narwo rwakawoma, akasagona kurudzosazve.