1 Kings 13:5 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Artari ʋo yakapamuka, namaɗota akarashirwa pasi paartari, ciratidzo cakaŋga capiwa nomunhu waMŋari cikaitika, ico cakaŋga carairwa naJehova.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Aritariwo yakatsemuka uye madota ayo akarasikira pasi zvichienderana nechiratidzo chakanga chapiwa nomunhu waMwari nokuda kweshoko raJehovha.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Atariwo yakabva yati pasi tsetsemu tsemu tsemu. Rotawo raiva paatari ndiye pasi ririri maererano nechiratidzo chakanga chapiwa nomunhu waMwari sokufemerwa kwaaiva aitwa naTenzi.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Aritariwo yakapamuka, namadota akarashirwa pasi paaritari, chiratidzo chakanga chapiwa nomunhu waMwari chikaitika, icho chakanga charairwa naJehovha.
Shona 2009?
Aritariwo yakapamuka, namadota akarashirwa pasi paaritari, chiratidzo chakanga chapiwa nomunhu waMwari chikaitika, icho chakanga charairwa naJehovha.
Shona SUB 2002 Bible
Aritariwo yakapamuka, namadota akarashirwa pasi paatari, chiratidzo chakanga chapiwa nomunhu waMwari chikaitika, icho chakanga charairwa naJehovha.