1 Kings 14:10 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Naiɀoɀo, tarira, ndicaitira imba yaJeroboami ɀakaipa; ndicaparadza kunaJeroboami ʋana ʋakomana ʋose, ʋaɗuku naʋakuru kuʋaIsraeri, nditȿaire cose imba yaJeroboami, somunhu unotȿaira marara kuȿikira abva ose.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
“ ‘Nokuda kwezvinhu izvi ndichauyisa dambudziko paimba yaJerobhoamu. Ndichauraya varume vose vaJerobhoamu nhapwa, neakasu-nunguka. Ndichapisa imba yaJerobhoamu sezvinoita munhu anopisa ndove, kusvikira pasisina chinhu.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Saka zvino, chinzwa, ndichapinza imba yaJerobhoamu munyatwa. Vanhurume vose vokwaJerobhoamu ndichavapedza nokuuraya, vose zvavo vokumba huru kana varanda muIsiraeri muno. Imba yaJerobhoamu ndichanyatsoitsakatisa kuti nho somunhu ari kupisa ndove zvokusara pasisina.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Naizvozvo, tarira, ndichaitira imba yaJerobhoamu zvakaipa; ndichaparadza kuna Jerobhoamu vana vakomana vose, vaduku navakuru kuvaIsiraeri, nditsvaire chose imba yaJerobhoamu, somunhu unotsvaira marara kusvikira abva ose.
Shona 2009?
Naizvozvo, tarira, ndichaitira imba yaJerobhoamu zvakaipa; ndichaparadza kuna Jerobhoamu vana vakomana vose, vaduku navakuru kuvaIsiraeri, nditsvaire chose imba yaJerobhoamu, somunhu unotsvaira marara kusvikira abva ose.
Shona SUB 2002 Bible
Naizvozvo, tarira, ndichaitira imba yaJerobhoamu zvakaipa; ndichaparadza kuna Jerobhoamu vana vakomana vose, vaduku navakuru kuVaIsiraeri, nditsvaire chose imba yaJerobhoamu, somunhu unotsvaira marara kusvikira abva ose.