1 Kings 14:11 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Aninani weimba yaJeroboami unofira paguta ucadyiwa nembga; unofira kusaŋgo ucadyiwa neshiri dzokuɗeŋga; nokuti Jehova wakataura saiɀoɀo.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Imbwa dzichadya vose vachafira muguta, uye shiri dzedenga dzichadya avo vachafira kusango. Jehovha ataura!’
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Munhu ari wose zvake wokwaJerobhoamu anofira muguta achadyiwa nembwa, nouyowo anofira musango achadyiwa neshiri dzedenga nokuti Tenzi ndiye azvireva.’
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ani naani weimba yaJerobhoamu unofira paguta uchadyiwa nembwa; unofira kusango uchadyiwa neshiri dzokudenga; nokuti Jehovha wakataura saizvozvo.’
Shona 2009?
Ani naani weimba yaJerobhoamu unofira paguta uchadyiwa nembwa; unofira kusango uchadyiwa neshiri dzokudenga; nokuti Jehovha wakataura saizvozvo.'
Shona SUB 2002 Bible
Ani naani weimba yaJerobhoamu unofira paguta uchadyiwa nembwa; unofira kusango uchadyiwa neshiri dzokudenga; nokuti Jehovha akataura saizvozvo.’