1 Kings 14:15 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Nokuti Jehova ucaroʋa Israeri, sorutsaŋga runozunuŋguswa mumvura; ucadzura Israeri panyika ino yakanaka, yaakapa madziɓaɓa aʋo, nokuʋaparadzira mhiri kwoRwizi; nokuti ʋakaɀiitira matanda okunamata nawo ʋakatsamŋisa Jehova.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Zvino Jehovha acharova Israeri, zvokuti ichaita setsanga iri kuzungunutswa mumvura. Achadzura Israeri kubva mu-nyika yakanaka iyi yaakapa kumadzitateguru avo agovaparadzira mhiri kwoRwizi, nokuti vakaita kuti Jehovha atsamwe nehasha pavakaitira Ashera mapango.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Kubvira ipapo Tenzi acharova Isiraeri sokuzunzwa kunoitwa rutsanga ruri mumvura agotipura Isiraeri munyika ino yakanaka kudai yaakapa kumadzitateguru avo agovamwayanisa kumhiri kwaYufuratesi nokuti vakaita zviAshera zvokunamata vakashatirisa Tenzi.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Nokuti Jehovha ucharova Isiraeri, sorutsanga runozununguswa mumvura; uchadzura Isiraeri panyika ino yakanaka, yaakapa madzibaba avo, nokuvaparadzira mhiri kwoRwizi; nokuti vakazviitira matanda okunamata nawo vakatsamwisa Jehovha.
Shona 2009?
Nokuti Jehovha ucharova Isiraeri, sorutsanga runozununguswa mumvura; uchadzura Isiraeri panyika ino yakanaka, yaakapa madzibaba avo, nokuvaparadzira mhiri koRwizi; nokuti vakazviitira matanda okunamata nawo vakatsamwisa Jehovha.
Shona SUB 2002 Bible
Nokuti Jehovha ucharova Isiraeri, sorutsanga runozununguswa mumvura; uchadzura Isiraeri panyika ino yakanaka, yaakapa madzibaba avo, nokuvaparadzira mhiri kweRwizi; nokuti vakazviitira matanda okunamata nawo vakatsamwisa Jehovha.