1 Kings 14:2 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Jeroboami akati kumukadzi wake: Simuka hako, ushandure ŋguʋo dzako, kuti urege kuzikanwa kuti ndiwe mukadzi waJeroboami, ugoenda Shiro; tarira, muprofita Ahija uri’po, iye wakaɗeya kutaura pamsoro paŋgu, kuti ndizoʋa mambo waʋanhu aʋa.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
uye Jerobhoamu akati kumukadzi wake, “Enda undozvivanza, kuti urege kuzivikanwa kuti ndiwe mukadzi waJerobhoamu. Ipapo ugoenda kuShiro. Ahija muprofita ariko ikoko, uya akandiudza kuti ndichava mambo wavanhu ava.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Jerobhoamu akataurira mukadzi wake kuti, “Dai mukachizvivanziridza kuti vanhu varege kukuzivai kuti ndimi mudzimai waJerobhoamu, musimuke muende kuShiro. Ikoko kuna Ahiya muporofita akafanonditaurira kuti ndichava mambo wavanhu ivava.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Jerobhoamu akati kumukadzi wake, “Simuka hako, ushandure nguo dzako, kuti urege kuzikanwa kuti ndiwe mukadzi waJerobhoamu, ugoenda Shiro; tarira, muporofita Ahija uripo, iye wakadeya kutaura pamusoro pangu, kuti ndizova mambo wavanhu ava.
Shona 2009?
Jerobhoamu akati kumukadzi wake, "Simuka hako, ushandure nguvo dzako, kuti urege kuzikamwa kuti ndiwe mukadzi waJerobhoamu, ugoenda Shiro; tarira, muporofita Ahija uripo, iye wakadeya kutaura pamusoro pangu, kuti ndizova mambo wavanhu ava.
Shona SUB 2002 Bible
Jerobhoamu akati kumukadzi wake, “Simuka hako, ushandure nguo dzako, kuti urege kuzikanwa kuti ndiwe mukadzi waJerobhoamu, ugoenda Shiro; tarira, muporofita Ahija uripo, iye wakadeya kutaura pamusoro pangu, kuti ndizova mambo wavanhu ava.