1 Kings 14:21 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino Rehoboami mŋanakomana waSoromoni, wakaɓata ʋushe bgaJuda. Rehoboami wakaŋga anamakore makumi manna nerimŋe pakutaŋga kwake kuɓata ʋushe, akaɓata ʋushe makore anegumi namanomŋe paJerusarema, iro guta rakaŋga ratsaurwa naJehova pakati pamarudzi ose aIsraeri, kuti aise zita rake’po. Zita ramai ʋake rakaŋga riri Naama muAmoni.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Rehobhoamu mwanakomana waSoromoni akanga ari mambo munyika yeJudha. Akanga ana makore makumi mana nerimwe chete paakava mambo, uye akatonga kwamakore gumi namanomwe muJerusarema, guta rakanga rasarudzwa naJehovha kubva pamarudzi ose aIsraeri kuti aise Zita rake mariri. Zita ramai vake raiva Naama; vaiva muAmoni.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Izvozvo Rehobhoamu mwanakomana waSoromoni aitongawo kwaJudha. Rehobhoamu akatangisa kutonga ava namakumi mana amakore ane gore rimwechete. Akatonga kwamakore gumi namanomwe ari muJerusaremu guta rakanga rasarudzwa naTenzi mukati memadzinza ose avaIsiraeri kuti zita rake ariise ipapo. Amai vake vainzi Naama vechiAmoni.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino Rehobhoamu mwanakomana waSoromoni, wakabata ushe hwaJudha. Rehobhoamu wakanga ana makore makumi mana nerimwe pakutanga kwake kubata ushe, akabata ushe makore ane gumi namanomwe paJerusaremu, iro guta rakanga ratsaurwa naJehovha pakati pamarudzi ose aIsiraeri, kuti aise zita rakepo. Zita ramai vake rakanga riri Naama muAmoni.
Shona 2009?
Zvino Rehobhoamu mwanakomana waSoromoni, wakabata ushe hwaJudha. Rehobhoamu wakanga ana makore makumi mana nerimwe pakutanga kwake kubata ushe, akabata ushe makore ane gumi namanomwe paJerusaremu, iro guta rakanga ratsaurwa naJehovha pakati pamarudzi ose alsiraeri, kuti aise zita rakepo. Zita ramai vake rakanga riri Naama muAmoni.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino Rehobhoamu mwanakomana waSoromoni, wakabata ushe hwaJudha. Rehobhoamu wakanga ana makore makumi mana nerimwe pakutanga kwake kubata ushe, akabata ushe makore ane gumi namanomwe paJerusaremu, iro guta rakanga ratsaurwa naJehovha pakati pamarudzi ose aIsiraeri, kuti aise zita rakepo. Zita ramai vake rakanga riri Naama muAmoni.