1 Kings 14:24 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ʋasodomi ʋakaŋga ʋari’po ʋo panyika; iʋo ʋakaita nemitoʋo yokunyaŋgadza kwose kwendudzi dzakaŋga dzadziŋgwa naJehova pamberi paʋana ʋaIsraeri.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Kwaivawo navarume vaizviita vakadzi vavamwe varume munyika, vanhu vakaita zvose zvinonyangadza zvaiitwa namarudzi ayo akanga adzingwa naJehovha pamberi pavaIsraeri.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Kwakanga zvino kwava navarume vezvoupombwe hwavaiita mukunamata. Vakaita zvose zvinosemesa zvaiitwa namarudzi aye akadzingirwa vaIsiraeri naTenzi.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Vasodhomi vakanga varipowo panyika; ivo vakaita nemitowo yokunyangadza kwose kwendudzi dzakanga dzadzingwa naJehovha pamberi pavana vaIsiraeri.
Shona 2009?
Vasodhomi vakanga varipowo panyika; ivo vakaita nemitowo yokunyangadza kose kwendudzi dzakanga dzadzingwa naJehovha pamberi pavana vaIsiraeri.
Shona SUB 2002 Bible
Vasodhomi vakanga varipowo panyika; ivo vakaita nemitowo yokunyangadza kwose kwendudzi dzakanga dzadzingwa naJehovha pamberi pavana VaIsiraeri.