1 Kings 14:4 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Mukadzi waJeroboami akaita saiɀoɀo, akasimuka, akaenda Shiro, akaȿika paimba yaAhija. Ɀino Ahija wakaŋga asiŋgagoni kuʋona, nokuti meso ake akaŋga oʋonera madzerere nemhaka yokukwegura kwake.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Naizvozvo mukadzi waJerobhoamu akaita sezvaakataura akaenda kumba kwaAhija muShiro. Zvino Ahija akanga asisaoni; meso ake akanga asisaone nokuti akanga akwegura.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Mudzimai waJerobhoamu akaita saizvozvo ndokusimuka oenda kuShiro akasvikopinda mumusha waAhiya. Izvozvo Ahiya akanga asisakwanisi kuona nokuti maziso ake aiva oonera madzerere nokukwegura kwaakanga aita.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Mukadzi waJerobhoamu akaita saizvozvo, akasimuka, akaenda Shiro, akasvika paimba yaAhija. Zvino Ahija wakanga asingagoni kuona, nokuti meso ake akanga owonera madzerere nemhaka yokukwegura kwake.
Shona 2009?
Mukadzi waJerobhoamu akaita saizvozvo, akasimuka, akaenda Shiro, akasvika paimba yaAhija. Zvino Ahija wakanga asingagoni kuona, nokuti meso ake akanga owonera madzedzerere nemhaka yokukwegura kwake.
Shona SUB 2002 Bible
Mukadzi waJerobhoamu akaita saizvozvo, akasimuka, akaenda Shiro, akasvika paimba yaAhija. Zvino Ahija wakanga asingagoni kuona, nokuti meso ake akanga owonera madzerere nemhaka yokukwegura kwake.