1 Kings 14:5 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino Jehova akati kunaAhija: Tarira, mukadzi waJeroboami unoʋuya kuzokubvunza pamsoro pomŋanakomana wake, nokuti unorwara; unofanira kutaura ɀokuti neɀokuti kwaari, nokuti kana acipinda, ucaɀiita somumŋe mukadzi.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Asi Jehovha akaudza Ahija kuti, “Mukadzi waJerobhoamu ari kuuya kuzokubvunza nezvomwanakomana wake, nokuti ari kurwara. Zvino iwe uchamupa mhinduro yokuti neyokuti. Paachasvika achazviita somumwe munhu.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Tenzi akanyevera Ahiya achiti, “Chinzwa, mudzimai waJerobhoamu ari kuuya kuzobvunza nezvomwana wake mukomana nokuti ari kurwara. Unomuudza zvokuti nezvokuti. Mukadzi uyu paachapinda muno achazvivanziridza achizviita sokungewo mumwe mukadzi zvake.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino Jehovha akati kuna Ahija, “Tarira, mukadzi waJerobhoamu unouya kuzokubvunza pamusoro pomwanakomana wake, nokuti unorwara; unofanira kutaura zvokuti nezvokuti kwaari, nokuti kana achipinda, uchazviita somumwe mukadzi.”
Shona 2009?
Zvino Jehovha akati kuna Ahija, "Tarira, mukadzi waJerobhoamu unouya kuzokubvunza pamusoro pomwanakomana wake, nokuti unorwara; unofanira kutaura zvokuti nezvokuti kwaari, nokuti kana achipinda, uchazviita somumwe mukadzi."
Shona SUB 2002 Bible
Zvino Jehovha akati kuna Ahija, “Tarira, mukadzi waJerobhoamu unouya kuzokubvunza pamusoro pomwanakomana wake, nokuti unorwara; unofanira kutaura zvokuti nezvokuti kwaari, nokuti kana achipinda, uchazviita somumwe mukadzi.”