1 Kings 14:6 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino Ahija wakati acinzwa kufamba kwetsoka dzake, acipinda pamukoʋa, akati: Cipinda hako, iwe mukadzi waJeroboami, unoɀiitireiko somumŋe? Nokuti ndatumŋa kwauri namashoko anorwadza mŋoyo.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Zvino Ahija paakanzwa mutsindo wetsoka dzake pamusuo, akati, “Pinda, mukadzi waJerobhoamu. Sei uchizviita somumwe munhu? Ndatumwa kwauri namashoko asina kunaka.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Kuzoti Ahiya paakanzwa mutsindo wake achipinda kumusuo akati, “Pindai zvenyu vadzimai vaJerobhoamu. Seiko muchizviita sokunge mumwewo mukadzi asirimi? Nyaya yandanzi ndikunyeverei yakaomarara kwazvo.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino Ahija wakati achinzwa kufamba kwetsoka dzake, achipinda pamukova, akati, “Chipinda hako, iwe mukadzi waJerobhoamu, unozviitireiko somumwe? Nokuti ndatumwa kwauri namashoko anorwadza mwoyo.
Shona 2009?
Zvino Ahija wakati achinzwa kufamba kwetsoka dzake, achipinda pamukova, akati, "Chipinda hako, iwe mukadzi waJerobhoamu, unozviitireiko somumwe? Nokuti ndatumwa kwauri namashoko anorwadza moyo.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino Ahija wakati achinzwa kufamba kwetsoka dzake, achipinda pamukova, akati, “Chipinda hako, iwe mukadzi waJerobhoamu, unozviitireiko somumwe? Nokuti ndatumwa kwauri namashoko anorwadza mwoyo.