1 Kings 14:8 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
ndikabvarura ʋushe, ndikabgubvisa paimba yaDavidi, ndikabgupa iwe; asi iwe hauna‐kuʋa saDavidi muranda waŋgu, waiceŋgeta mirairo yaŋgu, akanditeʋera nomŋoyo wake wose, aciita ɀakanaka ɀoga pameso aŋgu;
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ndakabvarura umambo kubva muimba yaDhavhidhi ndikahupa kwauri, asi hauna kuva somuranda wangu Dhavhidhi, akachengeta mirayiro yangu uye akanditevera nomwoyo wake wose, akaita zvakanaka chete pamberi pangu.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
ndikabvarurawo umambo hwemba yaDhavhidhi ndichipa iwe, zvakadaro zvazvo hauna kuva somuranda wangu Dhavhidhi aichengeta mitemo yangu achinditevera nomwoyo wose achiita zvakarurama chete zvandinoda.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
ndikabvarura ushe, ndikahubvisa paimba yaDhavhidhi, ndikahupa iwe; asi iwe hauna kuva saDhavhidhi muranda wangu, waichengeta mirairo yangu, akanditevera nomwoyo wake wose, achiita zvakanaka zvoga pameso angu;
Shona 2009?
ndikabvarura ushe, ndikahubvisa paimba yaDhavhidhi, ndikahupa iwe; asi iwe hauna kuva saDhavhidhi muranda wangu, waichengeta mirairo yangu, akanditevera nomoyo wake wose, achiita zvakanaka zvoga pameso angu;
Shona SUB 2002 Bible
ndikabvarura ushe, ndikahubvisa paimba yaDhavhidhi, ndikahupa iwe; asi iwe hauna kuva saDhavhidhi muranda wangu, waichengeta mirairo yangu, akanditevera nomwoyo wake wose, achiita zvakanaka zvoga pameso angu;