1 Kings 14:9 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
asi iwe wakaita ɀakaipa kupfuʋura ʋose ʋakakutaŋgira, ukandoɀiitira ʋamŋe ʋamŋari nemifananidzo yakaʋumbga, kuti unditsamŋise; ukandirashira shure kwomusana wako.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Iwe wakaita zvakaipa kupfuura vose vakararama iwe usati wavapo. Wakazviitira vamwe vamwari, zviumbwa zvakaitwa nesimbi; waita kuti nditsamwe uye ukandirasira shure kwako.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Asi iwe wakaita zvakaipa kupfuura vamwe vose vakakutangira. Wakatetereka ukandozvigadzirira vamwe vamwari nezvifananidzo zvakaumbwa noutare kutondishatirisa zvako uchindipa gotsi.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
asi iwe wakaita zvakaipa kupfuura vose vakakutangira, ukandozviitira vamwe vamwari nemifananidzo yakaumbwa, kuti unditsamwise; ukandirashira shure kwomusana wako.
Shona 2009?
asi iwe wakaita zvakaipa kupfuura vose vakakutangira, ukandozviitira vamwe vamwari nemifananidzo yakaumbwa, kuti unditsamwise; ukandirashira shure komusana wako.
Shona SUB 2002 Bible
asi iwe wakaita zvakaipa kupfuura vose vakakutangira, ukandozviitira vamwe vamwari nemifananidzo yakaumbwa, kuti unditsamwise; ukandirashira shure kwomusana wako.