1 Kings 15:18 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ipapo Asa akatora sirveri yose nendarama ɀakaŋga ɀasara pafuma yeimba yaJehova, napafuma yeimba yamambo, akaɀipa mumaʋoko aʋaranda ʋake, mambo Asa akaɀitumira kunaBeni‐hadadi mŋanakomana waTabrimoni, mŋanakomana waHezioni, mambo weSiria wakaŋga agere Damasko, akati:
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ipapo Asa akatora sirivha yose negoridhe rose rakanga rasara mumatura epfuma yetemberi yaJehovha nezvose zvaiva mumuzinda wake. Akazvipa kumachinda ake akazvitumira kuna Bhenihadhadhi, mwanakomana waTabhirimoni, mwanakomana waHezioni, mambo weAramu, akanga achitonga muDhamasiko.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Asa akatora sirivha yose nendarama yakanga yasiyiwa paupfumi hwemba yaTenzi nehwomumuzinda wamambo akapa makurukota ake. Mambo Asa akazvitumira kuna Bhenihadhadhi mwanakomana waTabhirimoni, muzukuru waHezioni, mambo weSiria aigara muDhamasikusi achiti,
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ipapo Asa akatora sirivha yose nendarama zvakanga zvasara papfuma yeimba yaJehovha, napapfuma yeimba yamambo, akazvipa mumaoko avaranda vake, mambo Asa akazvitumira kuna Bhenihadhadhi mwanakomana waTabhirimoni, mwanakomana waHezioni, mambo weSiria wakanga agere Dhamasiko, akati,
Shona 2009?
Ipapo Asa akatora sirivha yose nendarama zvakanga zvasara pafuma yeimba yaJehovha, napafuma yeimba yamambo, akazvipa mumaoko avaranda vake, mambo Asa akazvitumira kuna Bhenihadhadhi mwanakomana waTabhirimoni, mwanakomana waHeZiyoni, mambo weSiria wakanga agere Dhamasiko, akati,
Shona SUB 2002 Bible
Ipapo Asa akatora sirivha yose nendarama zvakanga zvasara papfuma yeimba yaJehovha, napapfuma yeimba yamambo, akazvipa mumaoko avaranda vake, mambo Asa akazvitumira kuna Bhenihadhadhi mwanakomana waTabhirimoni, mwanakomana waHezioni, mambo weSiria wakanga agere Dhamasikosi, akati,